29/01/2026
Moyo wangu hauna godo ,ruvengo kana daka newe mfana wangu ,Wese anorarama pasi penyika ino mutadzi asi Mwari anongotida tose, Chakakosha kuzvininipisa pamberi paMwari nekuedza kunatsurudza pose patinoresva nekuti hupenyu tinohudziidza patinohurarama , hatina humwe hwatakamborarama .Song yako yandidzamira ndikanzwa moyo kurwadza , Dai Denga rakuzarurira masuwo rakuwedzera huchenjeri ,ruzivo nesimba rekushanda unyerere zvako Basa rako rotaura rega nekuti MHINDURO IBASA, Basa sebasa mfana wangu . Chipo wakapihwa kare